John 16:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ŋguʋa inoʋuya, yatoȿika, yamucaparadzirwa, mumŋe nomumŋe kuneɀake, mukandisiya ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Ƃaɓa ʋaneni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nguva iri kuuya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe achienda kumusha kwake. Muchandisiya ndiri ndoga. Asi handisi ndoga, nokuti Baba vangu vaneni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nguva iri kuuya uye yatosvika pamuchati mwarara, mumwe nomumwe achienda kwake muchindisiya ndiri ndoga asi ndinenge ndisiri ndoga nokuti Baba vaneni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, nguva inouya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake mukandisiya ndiri ndoga; asi handisi ndoga, nokuti baba vaneni.
Shona 2009?
Tarirai, nguva inovuya, hongu yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake, mundisiye ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Baba vaneni.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, nguva inouya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake mukandisiya ndiri ndoga; asi handisi ndoga, nokuti Baba vaneni.