John 16:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndakakuʋudzai iɀi, kuti kana ŋguʋa yaɀo yaȿika, mugoɀiraŋgarira, kuti ndakakuʋudzai. Handina‐kukuʋudzai iɀi kubva pakutaŋga, nokuti ndaiʋa nemi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ndataura izvi kwamuri kuti kana nguva yazvo yosvika, muyeuke kuti ndakambokutaurirai nezvazvo. “Handina kunge ndichikutaurirai zvinhu izvi pakutanga nokuti ndanga ndiinemi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi ndakakuudzai izvi, kuti kana nguva yazvo yasvika, mugozviyeuka, kuti ndakakuudzai. Handina kukuudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemi.
Shona 2009?
Asi ndataura zvinhu izvi kwamuri, kuti kana nguva yasvika mugozvirangarira, kuti ndakakuvudzai pamusoro pazvo. Handina kukuvudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi ndakakuudzai izvi, kuti kana nguva yazvo yasvika, mugozviyeuka, kuti ndakakuudzai. Handina kukuudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemi.