John 16:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ini ndinokuʋudzai ɀokwaɗi, kana ndiciti: Ɀirinani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisiŋgaendi, Munyaradzi haaŋgaʋuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndicamutumira kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai imi kuti ini ndava kuenda. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo, ndinokuudzai chokwadi, chokuti zvinotokubatsirai kuti ndiende nokuti ndikarega kuenda, Murevereri uya haazouya; asi ndikaenda ndichamutumira kwamuri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ini ndinokuudzai zvechokwadi, kana ndichiti, zviri nani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
Shona 2009?
Asi ini ndinokuvudzai chokwadi: Zviri nani kwamuri kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangavuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ini ndinokuudzai zvechokwadi, kana ndichiti, zviri nani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.