John 17:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini handiciri munyika, asi iʋo ʋari munyika; ini ndinoʋuya kwamuri. Ƃaɓa ʋatȿene, muʋaceŋgete muzita renyu, ramakandipa, kuti ʋaʋe ʋamŋe, sesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini handichagarizve munyika, asi ivo vachiri munyika, uye ini ndiri kuuya kwamuri. Baba Vatsvene, vadzivirirei nesimba rezita renyu, zita ramakandipa, kuti vave vamwe sesu tiri vamwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino handichisiri pasi pano asi ivo vari pasi pano ini ndavakuuya kwamuri. Baba vatsvene, vanhu vamakandipa vachengetei muzita renyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, ramakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
Shona 2009?
Uye zvino ini handichiri munyika, asi iva vari munyika; ini ndinovuya kwamuri Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu, avo vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
Shona SUB 2002 Bible
Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinouya kwamuri. Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, ramakandipa, kuti vave vamwe, sesu.