John 17:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiciri naʋo, ini ndaiʋaceŋgeta muzita renyu, ramakandipa; ndakaʋarinda, hapanomumŋe waʋo wakarashika, asi mŋanakomana wokurashwa, kuti Rugwaro ruitike.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pandainge ndiinavo, ndakavadzivirira uye ndikavachengeta zvakanaka nezita ramakandipa. Hakuna akarasika kunze kwouyo akatongerwa kuparadzwa kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pandakanga ndiinavo vanhu vamakandipa ndakavachengeta muzita renyu. Ndakavachengetedza zvokuti hapana akarasika kusiya uya wekashambwa kokuraswa kuti Magwaro Matsvene azadzikiswe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, ramakandipa; hapana mumwe wavo wakarasika, asi mwanakomana wokuraswa, kuti Rugwaro ruitike.
Shona 2009?
Pandaiva navo panyika, ini ndaivachengeta muzita renyu, avo vamakandipa; ndikachengeta panyika, hapanomumwe wavo wakarashika, asi mwanakomana wokurashwa, kuti rugwaro ruitike.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, ramakandipa; hapana mumwe wavo wakarasika, asi mwanakomana wokuraswa, kuti Rugwaro ruitike.