John 17:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀino ndoʋuya kwamuri; ndinotaura iɀi panyika, kuti ʋaʋe nomufaro waŋgu, wakazadzika maʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino ini ndiri kuuya kwamuri, asi ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri munyika, kuitira kuti vave nomufaro wangu wakazara mukati mavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi zvino ndavakuuya kwamuri ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri pasi pano kuti kufara kwangu kunyatsozara chaizvo mavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari.
Shona 2009?
Asi zvino ndovuya kwamuri, uye ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadziswa mavari.
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvino ndouya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari.