John 17:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ʋose ʋaʋe ʋamŋe; semi Ƃaɓa muri mandiri, neni mamuri; kuti naiʋo ʋaʋe matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuti vose vave vamwe, Baba, sezvo imi muri mandiri uye ini ndiri mamuri. Naivowo ngavave matiri kuitira kuti nyika igotenda kuti makandituma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuti vose zvavo vave vamwechete sezvakangoita kuti imi Baba muri mandiri ini ndiri mamuri ivowo ngavave matiri kuti pasi padavire kuti imi ndimi makandituma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti vose vave vamwe; semi baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
Shona 2009?
kuti vose vave vamwe; semwi Baba mandiri, neni mamuri; kuti naivovo vave mumwe matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
Shona SUB 2002 Bible
kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.