John 17:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƃaɓa, ndinoɗa kuti aʋo ʋamakandipa, ʋaʋe ʋo neni apo pandiri, kuti ʋaʋone kubginya kwaŋgu, kwamakandipa, nokuti makandiɗa nyika isati yaʋambga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Baba, ndinoda kuti vaya vamakandipa vave neni pandinenge ndiri, uye kuti vaone kubwinya kwangu, iko kubwinya kwamakandipa nokuti makandida nyika isati yasikwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Baba ndinodawo kuti avo vamakandipa vave kwandinenge ndiri vaonewo mbiri yangu yamakandipa pamusana porudo rwenyu kwandiri pasi pasati pavapo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Baba ndinoda kuti avo vamakandipa, vavewo neni apo pandiri, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.
Shona 2009?
Baba, ndinoda kuti naivovo vamakandipa, vave neni apo pandiri, kuti vavone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Baba ndinoda kuti avo vamakandipa, vavewo neni apo pandiri, kuti vaone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.