John 17:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaʋaziʋisa zita renyu, ʋuye ndicariziʋisa, kuti ruɗo, rwamakandiɗa narwo, ruʋe maʋari, neni ndiʋe maʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakakuzivisai kwavari, uye ndicharamba ndichiita kuti vakuzivei kuitira kuti rudo rwamakandida narwo rwuve mavari uye kuti ini pachangu ndive mavari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakaita kuti vazive zita renyu uye ndichaita kuti rizivikanwe kuti rudo rwamakandida narwo ruvewo mavari uyewo kuti iniwo ndive mavari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakavazivisa zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.”
Shona 2009?
uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicha\add ri\add*zivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakavazivisa zita renyu, uye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.”