John 18:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati areʋa iɀoɀo, mumŋe waʋatariri, wakaŋga amire’po, akaroʋa Jesu noruʋoko, aciti: Unopindura muprista mukuru uciɗaro nhai?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati ataura izvi, mumwe wavatariri vakanga vari pedyo naye akamurova kumeso. Akati, “Ndiyo nzira yaunopindura nayo muprista mukuru here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakataura izvi mumwe mupurisa akanga amire padyo, akarova Jesu nembama achiti, “Ndiko kupindura kwaungaite mupristi mukuru ikoko?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati areva izvozvo, mumwe wavatariri, akanga amirepo, akarova Jesu noruoko, achiti, “Unopindura mupristi mukuru uchidaro nhai?”
Shona 2009?
Wakati areva zvinhu izvozvo, mumwe wavatariri wakanga amirepo, akarova Jesu nembama, achiti: Unopindura muprista mukuru uchidaro nhai?
Shona SUB 2002 Bible
Akati areva izvozvo, mumwe wavatariri, akanga amirepo, akarova Jesu noruoko, achiti, “Unopindura mupristi mukuru uchidaro nhai?”