John 18:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akamupindura, akati: Kana ndareʋa ɀakaipa, pupura kuti ɀakaipa ndeɀipi; kana ndareʋa ɀakanaka, wagondiroʋereiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Kana ndataura chimwe chinhu chakaipa, taura kuti chakaipa ndechipi. Asi kana ndataura chokwadi, seiko wandirova?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akamupindura achiti, “Kana pane chandatadza mukutaura kwandaita tiudze chandakanganisa. Ko kana ndataura zvakanaka wagondirovereiko?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akamupindura, akati, “Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka, wagondirovereiko?”
Shona 2009?
Jesu akamupindura \add akati\add*: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka wagondirovereiko?
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akamupindura, akati, “Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka, wagondirovereiko?”