John 18:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Simoni Petro wakaŋga amire’po, acidziya mŋoto. Ʋakati kwaari: Newe ʋo uri mumŋe waʋadzidzi ʋake here? Akaramba, akati: Handizati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Simoni Petro achakamira achidziya moto, akabvunzwazve kuti, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?” Akazviramba izvozvo, achiti, “Handizi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Simoni Pita akanga akamira achidziya moto. Vakamuti, “Hausi mumwe wavadzidzi vake here iwe?” Akaramba achiti, “Handisiri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Simoni Petirosi akanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vake here?” Akaramba, akati, “Handisati.”
Shona 2009?
Zvino Simoni Petro wakanga amirepo, achidziya \add moto\add*; vakati kwaari: Hausivo mumwe wavadzidzi vake here? Akaramba, akati: Handizati.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Simoni Petirosi akanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari, “Newewo uri mumwe wavadzidzi vake here?” Akaramba, akati, “Handisati.”