John 18:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe muranda womuprista mukuru, hama yowakaŋga agurwa nzeʋe naPetro, akati: Ini handina‐kukuʋona unaye mumunda here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, hama youya akanga agurwa nzeve yake naPetro, akamupikisa akati “Ko, handina kukuona unaye mubindu here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe wavaranda vomupristi mukuru, hama yomurume uya akachekwa nzeve naPita akamubvunzawo achiti, “Handina kukuona here iwe uinaye kubindu kuya?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe muranda womupristi mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetirosi, akati, “Ini handina kukuona unaye mumunda here?”
Shona 2009?
Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, ari hama \add yo\add*wakanga agurwa nzeve naPetro akati: Ini handina kukuvona unaye mubindu here?
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe muranda woMupristi Mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetirosi, akati, “Ini handina kukuona unaye mumunda here?”