John 18:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakabva kunaKayafasi, ʋakaenda naJesu kuimba yomuɓati; aiʋa maŋgwanani. Asi iʋo haʋana‐kupinda mumba momuɓati, kuti ʋarege kuȿiɓiswa, kuti ʋagodya paseka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vaJudha vakatungamirira Jesu kubva kuna Kayafasi vakaenda naye kumuzinda womubati weRoma. Zvino akanga achiri mangwanani, uye kuti varege kusvibiswa, vaJudha vakarega kupinda mumuzinda; vaida kuti vakwanise kuzodya Pasika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakazobvisa Jesu kumba kwaKaifasi vachienda naye kumuzinda womutongi wenyika. Aya aiva mangwananingwanani ivo pachavo havana kupinda mumuzinda imomo kuti varege kun'oreswa vachiitira kuti vawane madyiro ePasika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakabva kuna Kaifasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya Pasika.
Shona 2009?
Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakaenda kuimba yomutongi; aiva mangwanani, asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, vagodya paseka.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakabva kuna Kaifasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya Pasika.