John 18:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akapindura, akati: Ʋushe bgaŋgu habguzi bgenyika ino; ɗai ʋushe bgaŋgu bgaiʋa bgenyika ino, ʋaranda ʋaŋgu ʋaŋgaɗai ʋairwa, kuti ndirege kuiswa kuʋaJuda; asi ɀino ʋushe bgaŋgu habguzi bgapano.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akapindura achiti, “Umambo hwangu hausiri hwapasi pano. Dai umambo hwangu huri hwapasi pano, varanda vangu vangadai varwisa kuti ndirege kuiswa mumaoko avaJudha. Zvino umambo hwangu hausi hwapasi pano.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akapindura akati, “Ushe hwangu hahusi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwapano.”
Shona 2009?
Jesu akapindura, \add akati\add*: Ushe bwangu habwuzi bwenyika ino; dai ushe bwangu bwaiva bwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuvaJudha; asi zvino ushe bwangu habwuzi bwapano.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akapindura akati, “Ushe hwangu hahusi hwenyika ino; dai ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahusi hwapano.”