John 18:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreʋa iwe kuti ndiri mambo. Ndakaɓerekerwa iɀo, ndakaʋuyira iɀoɀo panyika, kuti ndipupure ɀokwaɗi. Mumŋe nomumŋe weɀokwaɗi unonzwa inzwi raŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pirato akati, “Saka uri mamboka!” Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pirato akati kwaari, “Heya uri mambo nhai?” Jesu akapindura achiti, “Inga matozvidudza wani kuti ndiri mambo ndizvo zvandakazvarirwa uye ndizvo zvandakavinga pasi pano kuti ndizopupurira chokwadi. Munhu wose ari pachokwadi anonzwa izwi rangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pirato akati kwaari, “Iwe uri mambo su?” Jesu akapindura akati, “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi anonzwa izwi rangu.”
Shona 2009?
Ipapo Pirato akati kwaari: Saka iwe uri mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvozvo, ndakavuyira izvozvo munyika kuti ndipupurire chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi unonzwa inzwi rangu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Pirato akati kwaari, “Iwe uri mambo su?” Jesu akapindura akati, “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi anonzwa izwi rangu.”