John 19:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauziʋi su kuti ndinesimba rokukusunuŋgura, nesimba rokukuroʋera pamucinjikwa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pirato akati, “Haudi kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura kana kukuroverera pamuchinjikwa?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Pirato akati kwaari, “Hausikuda kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura nesimba rokukuroverera pamuchinjikwa?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pirato akati kwaari, “Hautauri neni here? Hauzivisu kuti ndine simba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?”
Shona 2009?
Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukurovera uye ndine simba rokukusunungura?
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Pirato akati kwaari, “Hautauri neni here? Hauzivisu kuti ndine simba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?”