John 19:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Pirato akatȿaka kumusunuŋgura; asi ʋaJuda ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Kana mukasunuŋgura munhu uyu, hamuzi shamŋari yaKesari; mumŋe nomumŋe, unoɀiita mambo, unoramba Kesari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva ipapo zvichienda mberi, Pirato akaedza kusunungura Jesu, asi vaJudha vakaramba vachidanidzira vachiti, “Kana ukasunungura murume uyu, zvoreva kuti hausi shamwari yaKesari. Ani naani anozviti mambo anopikisana naKesari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezvizvi Pirato akatsvaka nzira yokumusunungura nayo. Asi vaJudha vakadaidzira vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaSiza, nokuti munhu wose anozviita mambo ari kupandukira Siza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe, anozviita mambo, anoramba Kesari.”
Shona 2009?
Zvino kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura munhu uyu, hamuzi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe unozviita mambo, unoramba Kesari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe, anozviita mambo, anoramba Kesari.”