John 19:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Pirato wakati anzwa mashoko iwayo, akaɓuɗisa Jesu, akagara pacigaro cokutoŋga, panɀimbo yainzi Pakaroŋgwa naMabge, asi neciHeberu Gabata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pirato akati anzwa izvozvo, akabudisa Jesu kunze uye akagara pachigaro chokutonga panzvimbo inozivikanwa nokunzi: Pakarongwa Mabwe (nechiHebheru pachinzi Gabhata).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pirato paakanzwa mazwi aya akaburitsa Jesu panze iye ndokugara pachigaro chokutongera panzvimbo inonzi, “Chirongwanamafendefa.” Kana kuti, “Gabhata.” NechiHebheru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pirato akati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi “Pakarongwa naMabwe,” asi nechiHebheru “Gabhata.”
Shona 2009?
Zvino Pirato wakati anzwa shoko iroro, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa naMambwe, asi nechiHebheru Gabhata.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Pirato akati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi “Pakarongwa naMabwe,” asi neChiHebheru “Gabhata.”