John 19:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akaɓuɗa, acitakura mucinjikwa wake, akaenda kunɀimbo yainzi, Ƌehenya, neciHeberu icinzi Gorgota,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHebheru).
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akabuda akaenda akatakura muchinjikwa wake kunzvimbo inonzi, “Dehenya,” kana kuti, “Gorogota.” MuchiHebheru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” nechiHebheru ichinzi, “Gorogota,”
Shona 2009?
Akabuda akatakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, nechiHebheru ichinzi Gorogota;
Shona SUB 2002 Bible
akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” neChiHebheru ichinzi, “Gorogota,”