John 19:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaJuda ʋazhinji ʋakaraʋa rugwaro urwo; nokuti nɀimbo iyo pakaŋga pakaroʋerwa Jesu pamucinjikwa, yaiʋa pedyo neguta; rwakaŋga rwakanyorwa neciHeberu, neciRoma, neciGiriki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaJudha vazhinji vakaverenga zvakanga zvakanyorwa pachikwangwani ichi, nokuti nzvimbo yakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chikwangwani ichi chaiva chakanyorwa nechiHebheru, chiRatini uye nechiGiriki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaJudha vazhinji vakaverenga chiga chemhosva ichocho nokuti nzvimbo yapakarovererwa Jesu yakanga iri pedyo neguta, uye chakanga chakanyorwa muchiHebheru, nomuchiRatini nomuchiGiriki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaJudha vazhinji vakarava rugwaro urwo; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu pamuchinjikwa, yaiva pedyo neguta; rwakanga rwakanyorwa nechiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki.
Shona 2009?
Zvino vazhinji vavaJudha vakarava chiziviso ichi; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu yaiva pedo neguta; rwakanyorwa nechiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaJudha vazhinji vakarava rugwaro urwo; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu pamuchinjikwa, yaiva pedyo neguta; rwakanga rwakanyorwa neChiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki.