John 19:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarwi ʋakati ʋaroʋera Jesu pamucinjikwa, ʋakatora ŋguʋo dzake, ʋakaita migoʋe minna, murwi mumŋe nomumŋe mugoʋe wake; neŋguʋo yapasi ʋo. Ɀino ŋguʋo iyi yakaŋga isina‐pakasonwa, asi yakaŋga yakarukwa yose kubva kumsoro kwayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varwi vakati varoverera Jesu pamuchinjikwa, vakabvisa nguo dzake, vakadziita migove mina, mumwe chete kuno mumwe nomumwe wavo, nguo yomukati iriyo yakasara. Nguo iyi yakanga isina pakasonwa, yakangorukwa kubva kumusoro kusvika pasi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Masoja paakaroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora hanzu dzake ndokudzikamura mumigove mina, musoja mumwe nomumwe mugove wake. Ndokusara hanzu yomukati. Hanzu iyoyo yakanga isina musono. Yakanga yakarukwa kubva kumusoro kusvika pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varwi vakati varovera Jesu pamuchinjikwa, vakatora nguo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove wake; nenguo yapasiwo. Zvino nguo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumusoro kwayo.
Shona 2009?
Zvino varwi vakati varovera Jesu, vakatora nguvo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove; nenguvo yapasivo. Zvino nguvo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumusoro kwayo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varwi vakati varovera Jesu pamuchinjikwa, vakatora nguo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove wake; nenguo yapasiwo. Zvino nguo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumusoro kwayo.