John 19:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakataurirana, ʋaciti: ŋgatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamsoro payo, tiʋone kuti icaʋa yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, Ʋakakanda mijenya pamsoro pecokufuka caŋgu. Ndiɀo ɀakaitwa naʋarwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakataurirana vakati, “Ngatiregei kuibvarura. Ngatikandei mujenya tione kuti ndiani achaitora.” Izvi zvakaitika kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Vakagovana nguo yangu pakati pavo uye vakakanda mijenya pamusoro pechipfeko changu.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa navarwi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezvo vakataurirana vachiti, “Ngatiregei kuibvarura asi ngatiitirei chin'ange tione kuti ichava yaani.” Izvi zvakaitika kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “Vakagovana hanzu dzangu pakati pavo; zvipfeko zvangu vakazviitira chin'ange.” Saka izvi ndizvo zvakaitwa namasoja.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakataurirana, vachiti, “Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tione kuti ichava yaani;” kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu.” Ndizvo zvakaitwa navarwi.
Shona 2009?
Naizvozvo vakataurirana, vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadzisike runoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo. Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu. Ndizvo zvakaitwa navarwi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakataurirana, vachiti, “Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tione kuti ichava yaani;” kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu.” Ndizvo zvakaitwa navarwi.