John 19:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati aciʋona mai ʋake, nomudzidzi waaiɗa, amire’po, akati kunamai ʋake: Mai, tarirai, mŋanakomana wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati aona mai vake ipapo, uye mudzidzi waaida amire pedyo navo, akati kuna mai vake, “Mai, hoyu mwanakomana wenyu,”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakaona amai vake nomudzidzi wake wapamwoyo akamira pedyo, akati kuna amai vake, “Amai mwana wenyu uyu”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati achiona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kuna mai vake, “Mai tarirai, mwana wenyu.”
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati achivona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kunamai vake: Mukadzi, tarira, mwanakomana wako.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati achiona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kuna mai vake, “Mai tarirai, mwana wenyu.”