John 19:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀo, Jesu wakati aciziʋa kuti ɀose ɀapera, kuti Rugwaro ruitike, akati: Ndinenyota.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvo, achiziva kuti zvose zvainge zvapera zvino, uye kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe, Jesu akati, “Ndava nenyota.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure maizvozvi Jesu paakaona kuti zvose zvazadziswa uye kuti Magwaro Matsvene azadziswe akati, “Ndine nyota.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwaizvozvo, Jesu akati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati, “Ndine nyota.”
Shona 2009?
Shure kwaizvozvi, Jesu wakati achiziva kuti zvinhu zvose zvapera, kuti rugwaro ruzadzisike, akati: Ndinenyota.
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwaizvozvo, Jesu akati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati, “Ndine nyota.”