John 19:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ɀawaiʋa musi wo Kugadzirira paseka, ʋaJuda ʋakakumbira kunaPirato kuti makumbo aʋo avunwe, ʋabviswe, kuti mitumbu irege kugara pamucinjikwa nesaɓata, nokuti zuʋa iro resaɓata raiʋa guru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino rakanga riri zuva rokugadzirira, uye mangwana acho, rakanga riri zuva rakasanangurwa reSabata. Nokuda kwokuti vaJudha vakanga vasingadi kuti mitumbi isiyiwe iri pamuchinjikwa panguva yeSabata, vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhunwe uye kuti mitumbi ibviswe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvarakanga riri zuva rokugadzirira Pasika vaJudha vakakumbira Pirato kuti makumbo avo atyorwe uye kuti zvitunha zvibviswe kuti zvitunha zvirege kunge zviri pamuchinjikwa pamusi weSabata nokuti Sabata iroro rakanga riri Sabata guru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino zvawaiva musi woKugadzirira Pasika, vaJudha vakakumbira kuna Pirato kuti makumbo avo avhunwe, vabviswe, kuti mitumbi irege kugara pamuchinjikwa neSabata, nokuti zuva iro reSabata raiva guru.
Shona 2009?
Naizvozvo vaJudha nokuti wakanga uri musi wokugadzirira, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nezuva resabata (nokuti zuva resabata raiva zuva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, kuti vabviswe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino zvawaiva musi woKugadzirira Pasika, vaJudha vakakumbira kuna Pirato kuti makumbo avo avhunwe, vabviswe, kuti mitumbi irege kugara pamuchinjikwa neSabata, nokuti zuva iro reSabata raiva guru.