John 19:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti iɀoɀo ɀakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti: Fupa rake hariŋgavunwi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvinhu izvi zvakaitika kuitira kuti Rugwaro ruzadziswe runoti: “Hakuna kana bvupa rake rimwe richavhunwa,”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti zvinhu izvi zvakaitika kuti chinyorwa chitsvene chizadziswe chinoti, “Hapana bvupa rake richatyorwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Pfupa rake haringavhunwi.”
Shona 2009?
Nokuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro ruzadzisike runoti: Fupa rake haringavhunwi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti, “Pfupa rake haringavhunwi.”