John 19:38 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀo Josefa weArimatia, waiʋa mudzidzi waJesu, asi cinyararire nokutya ʋaJuda, wakakumbira kunaPirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akaʋuya, akabvisa mutumbu wake
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvo, Josefa weArimatea akakumbira Pirato kuti apiwe mutumbi waJesu. Zvino Josefa akanga ari mudzidzi waJesu, asi muchivande nokuti aitya vaJudha. Akati abvumirwa naPirato, akauya akatora mutumbi waJesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure maizvozvi Josefi wokuArimatia, mudzidzi waJesu womuchivande pamusana pokutya vaJudha, akakumbira Pirato kuti iye aturure chitunha chaJesu. Pirato akamubvumira. Saizvozvo akauya akaturura mutumbi wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwaizvozvo Josefa weArimatia, aiva mudzidzi waJesu, asi chinyararire nokutya vaJudha, akakumbira kuna Pirato kuti abvise chitunha chaJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akauya, akabvisa chitunha chake.
Shona 2009?
Shure kwaizvozvi Josefa weArimatia, waiva mudzidzi waJesu, asi pakavanda nokutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu; Pirato akamutendera. Naizvozvo akavuya akabvisa mutumbi waJesu.
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwaizvozvo Josefa weArimatia, aiva mudzidzi waJesu, asi chinyararire nokutya vaJudha, akakumbira kuna Pirato kuti abvise chitunha chaJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akauya, akabvisa chitunha chake.