John 19:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakatora mutumbu waJesu, ʋakauputira nemiceka pamŋe cete neɀinonhuwira, seɀinoita ʋaJuda pakuʋiga kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatora mutumbi waJesu, vakauputira vari vaviri nomucheka pamwe chete nezvinonhuwira. Izvi zvaifambirana netsika dzokuviga dzavaJudha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatora chitunha chaJesu vakachiputira namachira erineni namafuta aya anonhuwirira vachitevedza tsika yechiJudha yokuviga vanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakatora chitunha chaJesu, vakachiputira nemicheka pamwechete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo.
Shona 2009?
Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni pamwe chete nezvinonhuhwira, setsika yavaJudha yokuviga.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakatora chitunha chaJesu, vakachiputira nemicheka pamwechete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo.