John 19:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Panɀimbo iyo, paakaroʋerwa pamucinjikwa, pakaŋga panomunda; mumunda imomo maiʋa nobgiro bgutȿa, makaŋga musinakumboiswa munhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panzvimbo iyo pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa, paiva nebindu, uye mubindu imomo, maiva neguva idzva, rakanga risina munhu akamboradzikwamo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panzvimbo yaakarovererwa pakanga paine bindu. Mubindu imomo maiva neguva idzva makanga musati mambovigwa munhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Panzvimbo iyo, paakaroverwa pamuchinjikwa, pakanga pano munda; mumunda imomo maiva nobwiro hutsva, makanga musina kumboiswa munhu.
Shona 2009?
Zvino panzvimbo iyo paakaroverwa pakanga pane bindu, mubindu imomo maiva nebwiro vutsva, makanga musina kumboiswa munhu.
Shona SUB 2002 Bible
Panzvimbo iyo, paakaroverwa pamuchinjikwa, pakanga pano munda; mumunda imomo maiva nohwiro hutsva, makanga musina kumboiswa munhu.