John 19:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akaɓuɗa, akadzika korona yeminzwa, aneŋguʋo tȿuku. Pirato akati kwaʋari: Tarirai munhu!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati abuda kunze akapfeka korona yeminzwa uye nenguo yepepuru, Pirato akati kwavari, “Hoyo munhu!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo Jesu akabuda akapfeka chiremba cheminzwa negemenzi roruvara rwohute. Pirato ndokuti kwavari, “Chitarisai muone munhu uya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akabuda, akadzikwa ndaza yeminzwa, ane nguo tsvuku. Pirato akati kwavari, “Tarirai munhu!”
Shona 2009?
Jesu akabuda panze, akadzika korona yemhinzwa, anenguvo shava. \add Pirato\add* akati kwavari: Tarirai munhu uyu!
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akabuda, akadzikwa ndaza yeminzwa, ane nguo tsvuku. Pirato akati kwavari, “Tarirai munhu!”