John 19:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋatariri ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Roʋerai pamucinjikwa, roʋerai pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumuroʋerei pamucinjikwa; nokuti ini handiwani mhoȿa kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprista vakuru navatariri vavo vakangoti vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!” Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vapristi vakuru namapurisa pavakamuona vakabva vadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa. Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati kwavari, “Chimutoraika iyemi mundomuroverera pamuchinjikwa nokuti ini ndashaya mhosva yaanayo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vapristi vakuru navatariri vakati vachimuona vakadanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumuroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.”
Shona 2009?
Zvino vaprista vakuru navatariri vakati vachimuvona, vakadanidzira, vachiti: Rovera, rovera! Pirato akati kwavari: Chimutorai imwi, murovere; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vapristi vakuru navatariri vakati vachimuona vakadanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumuroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.”