John 2:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati kwaari: Munhu mumŋe nomumŋe unositaŋga aɓuɗisa waini yakanaka, neisiŋganaki kana ʋanwa kwaɀo; asi iwe waceŋgeta waini yakanaka kuȿikira ɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akati, “Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vambonwa kwazvo, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wapa yakaisvonaka kusvikira zvino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akati kwaari, “Vanhu vose vanotanga vapa vanhu waini yakanaka. Kana vachinge vanyatsonwa zvavo ndokwakuzovapa isina kunaka asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira iye zvino.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati kwaari, “Munhu mumwe nomumwe anositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vanwa kwazvo; asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.”
Shona 2009?
akati kwaari: Munhu mumwe nomumwe pakutanga unopa waini yakanaka, neisinganaki kana vamwa kwazvo, asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.
Shona SUB 2002 Bible
akati kwaari, “Munhu mumwe nomumwe anositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vanwa kwazvo; asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.”