John 2:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ici ciratidzo cake cokutaŋga Jesu wakaita paKana yeGarirea, akaratidza kubginya kwake; ʋadzidzi ʋake ʋakatenda kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ichi chiratidzo chokutanga, Jesu akachiita paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ichi ndicho chiratidzo chaJesu chokutanga chaakaita kuratidza mbiri yake. Achiita ari kuKana yokuGarirea.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu akaita paKana yeGariria, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
Shona 2009?
Ndiko kutanga kwezvishamiso kwakaitwa naJesu paKana yeGariri, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu akaita paKana yeGareriya, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.