John 2:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaruka tyaʋa yorwonzi, akaɓuɗisa mutembere makwai neŋombe ɀose; akaparadza mari yaʋaitsinhanha, nokuwisa matafura aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaita tyava nemikosi akadzingira vose kunze kweTemberi, pamwechete nehwai nemombe. Akawodzvorera pasi mari chena yavaitengeserana mari nokupidigurira pasi mateburu avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutemberi makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo.
Shona 2009?
Zvino wakati aruka tyava yorwonzi rudiki, akavabudisa vose mutembere, namakwai nemombe; akatevura mari yavatsinhanisi, ndokukwidibira matafura avo.
Shona SUB 2002 Bible
Akaruka tyava yetambo, akabudisa mutemberi makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo.