John 2:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaJuda ʋakapindura, ʋakati kwaari: Uŋgatiratidza ciratidzo ceiko, ɀaunoita ɀinhu iɀoɀo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vaJudha vakati kwaari, “Ungatipa chiratidzo chipi chingatiradza pachena kuti unoita zvinhu izvi zvose nesimba ripi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaJudha vakabva vati kwaari, “Tipe chiratidzo chemvumo yezvawaita izvi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?”
Shona 2009?
Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Ungatiratidza chiratidzo cheiko, chokuti unoita zvinhu izvi?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari, “Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?”