John 2:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaJuda ʋakati: Tembere iyi yakaʋakwa namakore anamakumi manna namatanhatu, ɀino iwe uŋgaimutsa namazuʋa matatu here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaJudha ndokuti, “Zvakatora makore makumi mana anamatanhatu kuvaka Temberi iyi iwe ndipo paungaimise namazuva matatu here?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaJudha vakati, “Temberi iyi yakavakwa namakore ana makumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?”
Shona 2009?
Ipapo vaJudha vakati: Makore anamakumi mana namatanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaJudha vakati, “Temberi iyi yakavakwa namakore ana makumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?”