John 2:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋguʋa yaakaŋga ari Jerusarema pamutambo wepaseka, ʋazhinji ʋakatenda kuzita rake, ʋaciʋona ɀiratidzo ɀaaiita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino paakanga ari muJerusarema paMutambo wePasika, vanhu vazhinji vakaona zviratidzo zvaakanga achiita uye vakatenda muzita rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga ari muJerusaremu kumazuva makuru ePasika vazhinji vakatenda muzita rake pavakaona zviratidzo zvaaiita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nguva yaakanga ari Jerusaremu pamutambo wePasika, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachiona zviratidzo zvaaiita.
Shona 2009?
Zvino wakati ava muJerusarema papaseka pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake, pavakavona zviratidzo zvaaiita.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nguva yaakanga ari Jerusaremu pamutambo wePasika, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachiona zviratidzo zvaaiita.