John 2:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kwakaŋga kunamakate matanhatu amabge, akaŋga aiswa’po netsika yaʋaJuda yokuɀinatsa, rimŋe nerimŋe raizadzwa neɀiyero ɀiʋiri kana ɀitatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakare ipapo pakanga pana makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ipapo pakanga paina mazigate matanhatu amabwe maererano netsika yavaJudha yokuzvichenura. Rimwe nerimwe rawo raiita marita makumi manomwe anamashanu kusvika kuzana ramarita rina marita gumi namashanu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kwakanga kuna makate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviero zviviri kana zvitatu.
Shona 2009?
Zvino kwakanga kwakaiswa zvirongo zvitanhatu zvamabwe, netsika yokunatsa yavaJudha, chimwe nechimwe chaizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kwakanga kuna makate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviero zviviri kana zvitatu.