John 2:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukuru womutambo wakati araʋira mvura yakashanduka waini, asiŋgaziʋi payabva, (asi ʋaranda, ʋakaŋga ʋacera mvura, ʋaiziʋa), mukuru womutambo akaɗana cikomba,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samukuru uya paakaravira, mvura iya yakanga yatova waini asi iye akanga asingazivi kwayakanga yabva. Asi Vashandi vaya vakanga vachera mvura ndivo vaizviziva. Samukuru womuchato akadaidza muwani
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukuru womuchato wakati aravira mvura yakasanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womuchato akadana muwani,
Shona 2009?
Mubati womutambo wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womutambo akadana chikomba,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukuru womuchato wakati aravira mvura yakasanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womuchato akadana muwani,