John 20:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino no musi wokutaŋga weviki Maria Magdarene wakaenda kubgiro maŋgwanani, kucakaȿiɓa; akaʋona ibge rabviswa pabgiro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mangwanani, pazuva rokutanga revhiki, kuchakasviba, Maria Magadharena akaenda kuguva uye akaona kuti ibwe rakanga rabviswa pamukova.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rokutanga revhiki Maria Magadharena akafumouya kuguva kuchakasviba. Akaona kuti dombo rakanga rabviswa paguva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadharina akaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akaona ibwe rabviswa pabwiro.
Shona 2009?
Zvino no\add musi\add* wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakasvika pabwiro mambakwedza kuchakasviba, akavona ibwe rabviswa pabwiro.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadharina akaenda kuhwiro mangwanani kuchakasviba; akaona ibwe rabviswa pahwiro.