John 20:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Mai, munocemeiko? Munotȿaka aniko? Iye aciti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiʋudzei pamamuisa, ndindomutora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Maria achifunga kuti aiva muchengeti webindu, akati, “Ishe, kana mamutora, ndiudzei henyu kwamamuisa, uye ndichamutora.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwaari, “Mudzimai iwe uri kuchemeiko, uri kutsvaga ani?” Zvaakafunga kuti murimi akati kwaari, “Changamire, kana murimi mamubvisa nditaurirei kwamandomuradzika ndindomutora.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.”
Shona 2009?
Jesu akati kwaari: Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko? Iye achifunga kuti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imwi mamubvisa, ndivudzei pamamuisa, ndindomutora.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.”