John 20:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Usandiɓata, nokuti ndicigere kukwira kunaƂaɓa ʋaŋgu; asi enda kuhama dzaŋgu, uti kwaʋari: Ndinokwira kunaƂaɓa ʋaŋgu naƂaɓa ʋenyu, kunaMŋari waŋgu naMŋari wenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti handisati ndadzokera kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undovaudza kuti, ‘Ndiri kudzokera kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu, naMwari wenyu.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwaari, “Usandibate nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu undoti kwavari ndiri kuenda kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari, ndinokwira kuna baba vangu nababa venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
Shona 2009?
Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kunaBaba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari: Ndinokwira kunababa vangu naBaba venyu naMwari wangu naMwari wenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna Baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari, ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”