John 20:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino aʋa maɗeko pazuʋa iro rokutaŋga reviki, mikoʋa yapfigwa paʋakaŋga ʋari ʋadzidzi nokutya ʋaJuda, Jesu akaʋuya, akamira pakati paʋo, akati kwaʋari: Rugare kwamuri!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Madekwana ezuva rokutanga revhiki, vadzidzi pavakanga vari pamwe chete, mikova yakazarirwa nokuda kwokutya vaJudha, Jesu akauya akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Manheru ezuva rakarero, zuva rokutanga revhiki Jesu akauya mumba maiva navadzidzi; izvozvo makonhi amavakanga vari akanga akaiswa zvihuri pamusana pokutya vaJudha. Akasvikomira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, misuo yapfigwa pavakanga vari vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari, “Rugare kwamuri!”
Shona 2009?
Zvino ava madeko pazuva iroro, rokutanga revhiki, mikova yapfigwa pakanga pakavungana vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akasvika, akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, misuwo yapfigwa pavakanga vari vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari, “Rugare kwamuri!”