John 20:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamhanya, akaenda kunaSimoni Petro nokunomumŋe mudzidzi, waiɗikanwa naJesu, akati kwaʋari: Ʋabvisa Ishe mubgiro, hatiziʋi paʋakamuisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akauya achimhanya kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi, uya aidikanwa naJesu, akati, “Vabudisa Ishe muguva, uye hatizivi pavamuisa!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo akamhanyira kuna Pita nomumwe mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kwavari, “Vabvisa Tenzi muguva zvino hatizivi kwavamuisa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamhanya, akaenda kuna Simoni Petirosi nokuno mumwe mudzidzi, aidikanwa naJesu, akati kwavari, “Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuisa.”
Shona 2009?
Akamhanya, akasvika kuna Simoni Petro nokunomumwe mudzidzi waidikamwa naJesu, akati kwavari: Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuradzika.
Shona SUB 2002 Bible
Akamhanya, akaenda kuna Simoni Petirosi nokuno mumwe mudzidzi, aidikanwa naJesu, akati kwavari, “Vabvisa Ishe muhwiro, hatizivi pavakamuisa.”