John 20:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mazuʋa masere akati apfuʋura ɀe, ʋadzidzi ʋakaŋga ʋari’mo mukati, naTomasi anaʋo. Jesu akaʋuya, mikoʋa yapfigwa, akamira pakati paʋo, akati: Rugare kwamuri!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vhiki yakati yapera, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi akanga anavo. Kunyange hazvo mikova yakanga yakapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve kwamuri!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure memazuva masere vadzidzi vake vakanga vari mumba muyazve uye Tomasi akanga ainavo. Makonhi akanga akapfigwa, Jesu akauya akamira pakati pavo akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mazuva masere akati apfuurazve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akauya, misuo yapfigwa, akamira pakati pavo, akati, “Rugare kwamuri!”
Shona 2009?
Mushure mamazuva maserezve vadzidzi vakanga vari mukati, naTomasi anavo. Jesu akasvika, mikova yapfigwa, akamira pakati pavo akati: Rugare kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mazuva masere akati apfuurazve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akauya, misuwo yapfigwa, akamira pakati pavo, akati, “Rugare kwamuri!”