John 20:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akati kunaTomasi: Ʋuya pano nomunwe wako, uʋone ɀanza ɀaŋgu; ʋuya noruʋoko rwako, u ru ise murutiʋi rwaŋgu; usaʋa usiŋgatendi, asi unotenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akati kuna Tomasi, “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.”
Shona 2009?
Ipapo akati kunaTomasi: Vuyisa pano mumwe wako, uvone zvanza zvangu; vuyisa ruvoko rwako uise murutivi rwangu, usava usina kutenda, asi unotenda.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akati kuna Tomasi, “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.”