John 20:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Watenda, nokuti wandiʋona? Ʋacaropafadzwa ʋanotenda, kunyaŋge ʋasina‐kuʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akati kwaari, “Nokuda kwokuti wandiona, zvino watenda; vakaropafadzwa avo vasina kuona asi vakatenda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwaari, “Watenda nokuti wandiona nhai? Vakakomborerwa zvavo vanotenda ivo vasina kundiona.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Watenda, nokuti wandiona? Vacharopafadzwa vanotenda, kunyange vasina kuona.”
Shona 2009?
Jesu akati kwaari: Tomasi, watenda nokuti wandivona? Vakaropafadzwa vasina-kuvona asi vakatenda.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Watenda, nokuti wandiona? Vacharopafadzwa vanotenda, kunyangwe vasina kuona.”