John 20:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi iɀi ɀakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mŋanakomana waMŋari; ʋuye kuti, mucitenda, muʋe noʋupenyu muzita rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi zvakanyorwa kuti mudavire kuti Jesu ndiye Mesia Mwanakomana waMwari uyewo kuti nokutenda ikoko muve noupenyu muzita rake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari; uye kuti, muchitenda, muve noupenyu muzita rake.
Shona 2009?
asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari; uye kuti muchitenda muve noupenyu muzita rake.
Shona SUB 2002 Bible
asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari; uye kuti, muchitenda, muve noupenyu muzita rake.