John 20:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino uya mumŋe mudzidzi akapinda ʋo, iye wakataŋga kuȿika pabgiro, akaʋona, akatenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakupedzisira mumwe mudzidzi, uya akanga atanga kusvika paguva akapindawo. Akaona akatenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mudzidzi uya akatanga kusvika paguva, akapindawo akaona akatenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino uye mumwe mudzidzi akapindawo, iye akatanga kusvika pabwiro, akaona, akatenda.
Shona 2009?
Zvino uya mumwe mudzidzi wakatanga kusvika pabwiro akapindavo akavona, akatenda;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino uye mumwe mudzidzi akapindawo, iye akatanga kusvika pahwiro, akaona, akatenda.